Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vemuzvipatara Zvehurumende Votenderana Kuramwa Mabasa


Vashandi vemuzvipatara vose paParirenyatwa nepaHarare Hospital vaita musangano neChishanu ndokubvumirana vose kuti vave kukanda mapadza pasi kutanga Mugovera, vachinyunyuta nemari dzavanotambira.

Vamwe vana chirembavemuBulawayo vatangawo kuramwa mabasa nhasi. Izvi zvava kureva kuti vana chiremba vanosvika mazana matatu vari kuramwa mabasa, vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira, pamwe nekupihwa mari yekutenga dzimotokari, inosvika zviuru zvitatu zvemadhora ekuAmerica.

Asi zvinonzi vamwe vana chiremba muBulawayo, vachiri pabasa, sezvo vari kuda kutanga vapedza zvidzidzo zvavo zve housemanship

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Mutori wenhau we Studio7, Carole Gombakomba, aita hurukuro na Dr Madzorere, munyori wezve hutano muMDC, kuti tinzwe zvavanofunga pamusoro penyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG