Dare redzimhosva repamusoro rakundikana kunzwa chikumbiro chegweta riri kumirira nhengo dzeMDC dziri muhusungwa, chekuti vasungwa ava vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kana kuti bail.
Dare rati nyaya iyi ichazeyiwa mudare svondo rinouya neChitatu. Izvi zvinotevera chikumbiro chaitwa nemuchuchisi chekuti nyaya idzi dzose dzibatanidzwe pamwe chete, uye mapurisa apihwe nguva yakakwana yekupedzisa kuferefeta nyaya dziri kupomerwa vanhu ava.
Mutongi wedare reHigh Court, VaBen Hlatshwayo, vati mapurisa akaendawo kuSouth Africa kunoferefeta nyaya dzekunzi vamwe vari muhusungwa ava vakadzidziswa zvehugandanga ikoko, anofanirwa kunge adzoka pazuva iri.
Vari muhusungwa vanosanganisirawo mumiriri weGlen View muparamende, VaPaul Madzore, mushandi anoona nezve kufambiswa kwemabasa muMDC, VaKudakwashe Matibiri, munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muMashonaland East, VaPineal Denga, pamwe nemushandi anoona nezve kufambiswa kwemashoko mubato iri, VaLuke Tamborinyoka.
Mumwe wavo, uye ari chipangamazano chaVaMorgan Tsvangirai, VaIan Makone, vakaburitswa muhusungwa neChitatu mushure mekubvisiswa mari inotyisa inoita $150 million sechibatiso.
Vanhu ava vakasungwa muna Kurume vachipomerwa mhosva dzine chekuita nekuda kubvisa hurumende yaVaMugabe pachigaro nechisimba. Asi vasungwa ava vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.
Gweta riri kumirira vasungwa ava, VaAlec Muchadeha,vaudza Studio 7 kuti vanga vachipokana nehurongwa hwekuti nyaya dzose dzibatanidzwe, asi nekuda kwekuti zvinhu zvifambire mberi, vazongobvuma.
VaPedzisayi Ruhanya, avo vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Jonga Kandemiiri, chinangwa chehurumende ndechekuda kurwadzisa nhengo dzebato rinopikisa idzi kuitira kuti dziore mwoyo.