Accessibility links

Breaking News

Chipangamazano chaVaTsvangirai, VaIan Makone, Vanoburitswa Muhusungwa

Dare redzimhosva rapa neChitatu chipangamazano chemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, mukana wekubvisa mari yechibatiso. VaIan Makone vanzi vabvise mari inoita Z$150m, inova mari isati yambobviswa naani zvake semari yechibatiso munhoroondo.

VaMakone ndivo vari kunzi nemapurisa vaitungamira kubhombwa kwemakamba emapurisa nedzimwe nzvimbo. Asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Mutongi wedare reHigh Court, VaTedious Karwi, vapa mutongo uyu kunyange hazvo hurumende, ichitungamirwa negurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, yange ichiramba kuti VaMakone nevamwe vavo vasapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. VaKarwi vashora zvikuru mapurisa netsika yekutora vasungwa sevanhu vapara mhosva, matare edzimhosva asati aroverera vanhu ava nemhosva.

VaMohadi vakanyora magwaro mana vachikurudzira matare kuti nhengo dzeMDC dzinodarika makumi matatu dziri muhusungwa, dzisapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso. Asi VaKarwi vati magwaro aVaMohadi handiwo angakanganisa kuti VaMakone vapihwe mari yechibatiso. Vatiwo hurumende yainge yakundikana kuburitsa pachena kuti VaMakone vaizotyora zvavaisungirwa kuita vakabvisa mari yechibatiso.

Nhengo dzeMDC idzi dzave kutopfuura mwedzi miviri dziri muhusungwa.

VaMakoni vaudza mutori wenhau, Blessing Zulu weStudio 7, kuti mumajere mune vanhu vakawandisa uye vari kuziya nenzara.

Gweta raVaMakoni nevamwe vavo, VaAlec Muchadehama, vaudzawo mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu kuti kuburitswa kwaVaMakoni muhusungwa zvinhu zvinofadza zvikuru kune vachiri muhusungwa sezvo vange vachinzi ndivo vaivatungamira.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG