Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoshora Hurongwa Hwekubvuta Makambani Ane Varidzi Vari Kunze Kwenyika


Nyanzvi munyaya dzezve matongerwe enyika pamwe nezve hupfumi, dzashoropodza hurongwa hwehurumende hwekupa vanhu vatema hupfumi huri mumakambani ane varidzi vari kunze kwenyika, uho hunosvika zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana.

Hurumende inoti bhiri remutemo weIndigenisation and Empowerment Bill, riri kutarisisirwa kuti riendeswe pamberi pedare reparamende mumasvondo mashoma ari kutevera.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio 7 aita hurukuro naVaChitambara kuti tinzwe pfungwa dzavo pahurongwa hwehurumende uhu.

Tichiri panyaya yehurongwa hwehurumende hwekuda kubvuta makambani kuti apihwe vanhu vatema, nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinotiwo VaMugabe vava kushandisa nzira iyi, senzira yekutsvaga rutsigiro musarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Nyanzvi idzi dzinoti pose panoitwa sarudzo munyika, VaMugabe vanotsvaga gwara rekushandisa, senzira yekukwezva vanhu kuti vavatsigire.

VaPedzisai Ruhanya ndivo Senior Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, uye vachiongorora zvematongerwo enyika.

Patience Rusere weStudio7 aita zvakare hurukuro naVaRuhanya, kuti tinzwewo pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG