Accessibility links

Breaking News

VaWilliam Nhara VeZanu-PF Vanoshaya nuHarare


Principal Director mubazi rehurumende risina bazi rarinomirira, Ministry Without Portifolio, VaWiliam Nhara, vakashaya neMuvhuro muHarare. VaNhara vanga vachinetsekana nechirwere cheitsvo, idzo dzange dzisingashande zvakanaka.

VaNhara, avo vanovazve mutauriri weZanu-PF muHarare Province, vange vari muhusungwa kwenguva yakareba, vakazopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso panyaya yavari kupomerwa yekuda kubetsera chizvarwa cheku Lebanon, kuburitsa ma diamonds zvisiri pamutemo, pamwe nekuda kupa chioko muhumwe kumapurisa.

Mutauriri weZanu PF, Doctor Nathan Shamuyarira, vabvuma kuti VaNhara vakashaya mangwanani eMuvhuro muHarare uye vakati bati ravo rarasikirwa zvikuru.

Asi vakawanda vanorangarira VaNhara avo vaitaura zvikuru paStudio 7 semunhu aiva nechipo chekutaura uye vaine nyambo.

Mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aitawo hurukuro naAmai Olivia Mwamloe Director mubazi reMinistry of Public and Interactive Affairs, avo vakamboshanda naVaNhara, vakati VaNhara vaive munhu aigona kushanda nevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG