Accessibility links

Breaking News

Africa Day Yopembererwa Veruzhinji muZimbabwe Vaine Misodzi Padama


Zimbabwe yabatana neChishanu nenyika dzose dzemuAfrica, pakucherechedza zuva re Africa Day. Zuva iri ndere kurangarira kuumbwa kwakaitwa sangano re Organisation of African Unity, iyo yave kuzivikanwa se African Union.

Ne Chishanu, muAddis Ababa ku Ethiopia, sachigaro we African Union, uye vari mutungamiri veGhana, Va John Kufour, vatungamira mhemberero dzekupemberera zuva iri ndokuparura hurongwa hekugadzirwa kwema African Union diplomatic passports, pamwe nekusarudza nzvimbo ichavakwa pekuitira misangano ye African Union.

NeChina, vamiriri vedzimwe nyika vari muZimbabwe, pamwe navana mazvikokota munyaya dzakasiyana siyana, vakaita hurukuro dzekuzeya hurongwa hwekuumba Union Government of Africa.

Pamusangano uyu pakabuda nepfungwa dzakasiyana siyana, vamwe vachiti kubatanidza nyika dzemu Africa, izano rakanaka chose, vamwe vachitiwo vatungamiri vemu Africa, vanofanirwa kubuda pachena kana mumwe wavo achitadza kutonga zvakanaka.

Ukuwo bepanhau re Eastern Standard, rinoti vakuru vemu Africa vanofanirwa kuudza mutungamiri we Zimbabwe, VaRobert Mugabe, kuti vari kutadza kutonga zvakanaka.

Bepanhau iri rati zvinoshamisa kuona vatungamiri vemu Africa, vachikusvidzira VaMugabe apo vanenge vachituka nyika dzekumadokero, asi pasina zvavanoita kuna VaMugabe, avo vari kumbunyikidza zvizvarwa zveZimbabwe.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, dzinoti sangano re African Union riri kutadza kuzadzisa mhiko dzakaitwa nevatungamiri venyika dzemuAfrica, dzekuti sezvo vakawana kuzvitonga kuzere, vachaisa misoro pamwe chete, kana paine mumwe wavo anenge apinda mumatambudziko.

VaFarai Maguwu vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari National Co-odinator veCivil Alliance on Democracy and Good Governance.Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMaguwu kuti tinzwewo pfungwa dzavo pazuva iri.

Mumashoko avo, pakucherechedza zuva iri, mutungamiri werimwe divi re MDC, Va Arthur Mutambara, vanoti zvose zviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe, hazvienderani nedonzvo rakaumbirwa OAU.

VaMutambara vanoti mamiriro akaita nyaya dzehupfumi munyika, anodzosera mumashure zvinangwa zve Comesa, SADC pamwe ne AU, sezvo huremu hwedhora remuZimbabwe hwakaderera zvakanyaya, kupfuura nyika dzepasi rose. VaMutambara vanoti, kurohwa pamwe nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu munyika, hakufambirane zvakare nezvisungo zvakaitwa nevatungamiri vemuAfrica, apo vakaumba sangano remubatanidzwa hwenyika dzemuAfrica, muna 1963.

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangira inoti mhuri yeZimbabwe inofanirwa kucherechedza zuva reAfrica kunyange hazvo vari mumoto wavakasikirwa neZANU-PF. Bato iri rinoti dzimwe nyika dzemu Africa hadzina zvadziri kuita mukubatsira mhuri yeZimbabwe.

Mutori wenhau we Studio 7, Jonga Kandemiiri aita hurukuro na Professor Eliphas Mukonoweshuro, munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nenyika mu MDC inotungamirirwa naVaTsvangirai kuti tinzwe maonero avo zuva ranhasi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG