Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veBindura Residents Association Votysidzirwa

Vari kutungamira sangano rinomirira vagari vemuBindura, reBindura Residents Association, vanoti vari kutyisidzirwa nevanofungidzirwa kuti vasori pamwe nenhengo dzeZanu PF.

Vatungamiri ava vati vari kutambira nhare dziri kubva kuvanhu vasingazivikanwi, avo vari kuvayambira kuti vasiyane nezvesangano revagari iri, sezvo iri nzira yekuda kupinza nayo bato rinopikisa reMDC muBindura, nzvimbo yavanoti ndeye Zanu PF.

Combined Harare Residents Association yakabatsirana nemamwe masangano mukuumbwa kweBindura Residents Association.

Muzvare Chiedza Gadzirayi vanove munyori musangano reBindura Residents Association, uye vari mudzidzi paBindura University of Science and Education vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti iye nevamwe vake vave kutotya kubuda kunze kwechikoro sezvo vari kutya kupambwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG