Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Vosangana Mangwana Kuti Vanamatire  Vakaputsirwa Dzimba


Masangano akazvimirira oga anoti ari kuita musangano wekunamatira vanhu vakaputsirwa dzimba neOperation Murambatsvina muGlen View neChitatu.

Musangano uyu uchatungamirwa nevatungamiri vemachehci, pamwe nevamwe vevanhu vakaputsirwa dzimba dzavo.

Mutauriri weNational Association of Non-Governmental Organisations, VaFambai Ngirande, varamba kutaura zvakwanda pamusoro pemusangano uyu, uyo waifanirwa kunge wakaitwa svondo rapera. Asi vanhu vakatya kuungana sezvo mapurisa ari kurova pamwe nekushungurudza vanhu munyika

Mutori wenhau dzeStudio7 Patience Rusere aita hurukuro naVaNgirande kuti vatiudze zvizhinji maererano nehurongwa hwekunamatira vanhu vakawirwa nedambudziko rakakonzerwa ne Operation Murambatsvina..

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG