Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa Kwevarairidzi Kunoita Kuti Zvimwe Zvikoro Zvisavhurwe


Kune zvikoro zvitatu zviri kuPlumtree zvisati zvavhurwa nechikonzero chekuti vadzidzisi vazvo vakasiya mabasa vachinyunyuta nenyaya yemari dzavanotambira.

Mutori wedu wenhau, Babongile Dlamini, anoti vana vechikoro havasati vaenda kuchikoro kubva pakavhurwa zvikoro.

Mamwewo mashoko atatambira anoti varairidzi vakawanda vamira kuenda kumabasa vachiti havana mari dzekufambisa.

Varairidzi vanonzi vakatsamwa zvikuru sezvo vasina kuwana mari dzavaifungidzira kuti vachawana kubva muna Kubvumbi kusvika muna Chikumi.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, VaPeter Mabhande, vabvuma kuti zvinhu zvakaomera varairidzi.

VaMabhande vati ZIMTA iri kuedza napose painokwanisa kuita hurukuro nehurumende, kuitira kuti zvinhu zvirerukire vadzidzisi, sezvo mari dzavari kutambira dzisisawirirane nemari inodiwa kuti vakwanise kurarama.

Musangano wakaitwa svondo rapera pakati pehurumende neApex Council hauna chawakaburitsa sezvo vashandi vakaramba kutambira 200 percent yaida kupiwa nehurumende.

Varairidzi vanonzi vari kuda kuti mari yavanotambira itangire pa$4.5 million pamwedzi ichi svika pa$8 million pamwedzi.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe VaTakavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti nhengo dzavo dziri kutonetsa nekuda kuti dzitange kuramwa mabasa svondo rinouya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG