Accessibility links

Breaking News

Kutya Kotadzisa Hurongwa Hwekurangarira Operation Murambatsvina


Hurongwa hwekurangarira vanhu vakaputsirwa dzimba dzavo pa Operation Murambtsvina makore maviri apfuura, hwakundikana kutanga neChishanu, sezvo vanhu vanga vachitya kurohwa nemapurisa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCrisis In Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya, vanoti munamato wanga uchifanirwa kuitwa muGlen View, hauna kuzoitwa, sezvo vanhu vanga vachitya kuti vangarohwe nemapurisa.

Mutauriri weChristian Alliance, Pastor Raymond Motsi, vanoti hapana zvakanyanya zvichaitwa nesangano ravo, kunze kwemunamato uchaitwa svondo rinouya.

VaFambayi Ngirande ndivo mutauriri weNational Association of Non-Government Organisations, avo vatsanangurira Patience Rusere weStudio7 kuti seyi hurongwa uhu husina kuzoitwa sezvanga zvichitarisirwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG