Accessibility links

Breaking News

VaKagoro Vanoti Havana Chivimbo naVaMbeki


Hurukuro dzekutanga pakati pevakuru vari kutungamira nhaurirano pakati peZanu-PF uye zvikwata zviviri zveMDC vari pamwe chete, dziri kutarisirwa kutanga munguva pfupi inotevera.

Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, ndivo vakadomwa neSADC kuti vave mutongi gava panyaya iyi. Chikwata chekuyananisa chakaumbwa naVaMbeki chakatosangana neMDC uye Zanu-PF.

Vakuru muhurumende yaVaMbeki neveMDC vasina kuda kudomwa nemazita, vanoti vave kutoshanda kuvaka hwaro hwenhaurirano idzi. VaTendai Biti ndivo vari kutungamira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaWelshman Ncube vachitungamira MDC inotungamirwa naVaAuthur Mutambara, ukuwo Zanu-PF ichitungamirwa negurukota rezve mitemo, VaPatrick Chinamasa.

VaMbeki vakaudza dare ravo reparamende neChina kuti nhaurirano dziri kufamba zvakanaka. Asi havana kuda kutsanangura mafambiro ari kuita nyaya iyi, vachiti vanofanirwa kutanga vasuma SADC nezvavaita kusvika pari zvino.

Nyaya iyi inonziwo yakataurwa neChishanu mumusangano weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai weNational Executive Council.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vakabvuma kuti nyaya iyi yataurwa, asi vakati havanga fukure hapwa vachitaura zvavari kuronga.

VaBrian Kagoro vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neAction Aid vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 kuti havana chivimbo nehurongwa hwaVaMbeki vakati vanombubuda vachiita sevanotsigira hurumende yaVaMugabe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG