Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoenderera Mberi neKutyisidzira Magweta


Gweta rine mukurumbira munyika, VaJonathan Samkange, vakasungwa nemapurisa neMuvhuru vakarara paRhodsville Police Station. VaSamkange vakazoendeswa kudare neChipriri manheru vakanzi vabhadhare mari yechibatiso inosvika Z$5 million.

Asi mushure mekunzwikwa kwenyaya iyi, vachuchusi vakazotizve vave kurasa nyaya iyi vachiti vainge vaudzwa nevakuru vavo kuti vasiyane nayo. Mutauriri wemapurisa, Superintendent Andrew Phiri, vaimbenge vaudza Studio 7 kuti VaSamkange vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo we Immigration Act, uye vachiri kuferefeta nyaya iyi.

Mutungamiri weZimbabwe Lawye Society, Amai Beatrice Mtetwa, vanoti VaSamkange vari kunzi havana kubuda pachena kuti munhu wavaida kudana muZimbabwe vachiti ishamwari yavo, ndiye aizoita chapupu panyaya yavari kumirira yaVaSimmon Mann, avo vakanzi nedare vaendeswe ku Equatorial Guinea, uko vachanotongwa nemhosva yekuda kunopidigura hurumende yenyika iyi.

Amai Mtetwa vanoti chapupu ichi chaida kupa humbowo hwekutochwa kwachakaitwa nehurumende yeEquitorial Guinea.

VaSamkange vari kukwikwidza nyaya iyi kudare reHigh Court. Kusungwa kwaVaSamkange uku kunotevera kurohwa svondo rapera kwemamwe magweta, ayo aida kuratidzira kusafara kwawo nekusungwa kwemamwe magweta maviri uye kuramba kutambira mitongo yedare reHigh Court kwakaitwa nemapurisa.

VaArnold Tsunga vanotungamira sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti hurumende iri kushungurudza magweta kuti vatye kumiririra vanopikisa hurumende.

Mapurisa neChipriri akambochengetedzawo magweta anopfuura gumi zvichitevera kuratidzira pamusoro pekushungurudzwa kwavari kuitwa nemapurisa. Magweta aya azoregedzwa nemapurisa kwapera maawa maviri.

Kuratidzira uku kunotevera kumwe kuratidzira kwakaitwa nemagweta emuHarare svondo rapera, apo pakarohwa magweta anosanganisira Amai Mtetwa. VaTrust Maanda mumwe wemagweta anga achiratidzira kwaMutare.

VaMaanda vaudza Chris Gande weStudio 7 kuti mapurisa ange avatyisidzira asati avaendesa kuklamba yavo apo vange vachida kuendesa zvichemo zvavo kumahofisi agavhuna weManicaland, VaTineyi Chigudu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG