Accessibility links

Breaking News

Dare Redzimhosva Rinorasa Nyaya  Iri Kupomerwa Vatungamiri veChristian Alliance


Dare ramagistrate remuKadoma rarasa neMuvhuro nyaya yanga ichipomerwa vatungamiri ve Christian Alliance yekuti vaida kukonzera mhirizhonga muna Ndira.

Vanhu vanosvika makumi mana vakasungwa vari muchechi muKadoma, asi vatungamiri veChristian Alliance vasere, ndivo vakazomiswa pamberi pedare.

Vamwe vashanu vanoti, Va Jonathan Gokovah, Pastor Ancelimo Magaya, Pastor Zvidzai Chiponda, Va Lawrence Berejena naVaGerald Mubaiwa, vakaregererwa kutanga kwemwedzi uno. Asi vatatu vanoti, Reverend Ray Motsi, Reverend Wilson Mugabe naVaPius Wakatama, ndivo vanga vachiri kupomerwa mhosva.

Gweta revatatu ava, Advocate Tim Cherry, vaudza Studio 7 kuti dare rati kana mapurisa achida kuenderera mberi nenyaya iyi, anofanirwa kushandisa masamanisi.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVa Wakatama mutauriri weChristian Alliance, kuti tinzwe kuti nyaya iyi yafamba seyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG