Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Voshushikana Nemaroverwo Ari Kuitwa Vanhu Vari Muhusungwa


Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, riri kunyunyuta nekushungurudzwa pamwe nekurohwa kuri kuitwa vanhu munyika.

ZADHR, inoti iri kushushikana zvakare nenyaya yekuti vanenge varohwa vari mumaoko emapurisa, vari kushaiswa mukana wekuti varapwe, sezvo mapurisa anenge avakuvadza, asiri kuvaendesa kuzvipatara.

Sangano iri rinoti, pavanhu vari muhusungwa iyezvino, vasere vavo, vakakuvara zvakanyanya, zvekuti vari kufanirwa kunge vachirapwa.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Andrew Makoni, gweta riri kumirira vasungwa ava, kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu kuvasungwa vakakuvadzwa ava.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG