Hurumende yakazivisa kuti ingatozotsvaga rubatsiro rwechikafu kana ongororo yechikafu chiri munyika iri kuitwa nemasangano eWorld Food Programme, WFP, pamwe neFood Agriculture Organisation, FAO, yapera uye ichiratidza kuti panodiwa chikafu.
Gurukota rezvekurima, VaRugare Gumbo, vanonzi nebepanhau reZimonline vakataura mashoko aya mushure mekunge vabvunzwa kuti hurumende ichatanga riini kutsvaga rubatsiro kubva kumasangano eUnited Nations anobatsira nechikafu.
Mwedzi wapera, VaGumbo vakazivisa kuti gore rino igore renzara, sezvo mvura isina kunaya zvakanaka. Nyika iri kutarisirwa kuwana goho ringangosvika matani 850 000.
Tatadza kubata VaGumbo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi
Masangano eWFP neFAO achitungamirirwa naVaKissan Gunjal akatanga mwedzi wapera kuita ongororo yechikafu chingangodiwa nenyika mushure mekukokwa nehurumende. Ongororo iyi iri kutarisirwa kupera pakati pemwedzi uno.
VaRenson Gasela, vanowe munyori wezvekurima muMDC inotungamirirwa naVaAthur Mutambara vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti pfungwa ine hurumende yekuda kutanga yamirira zvichabuda kubva muongororo ipfungwa isina kunaka sezvo ongororo dzakadai dzichitora nguva.