Accessibility links

Breaking News

America Inoshora Kurohwa Kwemagweta neMapurisa


Mutauriri webazi re State Department mu America, VaSean McCormark, vanoti vashoropodza zvikuru kusungwa pamwe nekurohwa kwakaitwa magweta nemapurisa muHarare neChipiri.

VaMccomack vati hurumende yaVaMugabe iri kuita izvi, senzira yekuedza kunyaradza vose vanoipikisa panguva yekugadzirira sarudzo dzegore rinouya. VaMcComark vati hurumende yaVaMugabe inofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu.

Masangano anosanganisira Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Combined Harare Residents Association, pamwe ne Zimbabwe Institute yekuSouth Africa, vakashorawo kusungwa pamwe nekurohwa kwemagweta mumazuva mashoma apfuura.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVaFarai Maguwu, Executive Director ve Civil Alliance of Democracy and Governance kuti tinzwe pfungwa dzavo, pane mashoko ekushoropodza hurumende aya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG