Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Ine Hurongwa Hwekugadzirisa Mihoro Yevashandi

Sangano revashandi reZCTU rabvuma mashoko ekuti riri kugadzirisa hurongwa hwemari dzinofanirwa kutambirwa nevashandi, uho huchazenge huchishandiswa muhurukuro dzose dzemihoro dzichaitwa.

Sangano revashandi iri riri kudawo kuti musiyano wemari dzinotambirwa nevashandi vepasi nedzinotambirwa nevepamusorosoro, uyo rinoti wakakurisa kupinda dzimwe nyika, uderedzwe.

ZCTU yati izvi hazvirevi kuti yavakuzunguzuka kubva padanho rayo rayakanga yatora rekuti panyoreranwe chibvumirano cheKadma Declaration.

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vacharamba vachipinda mumusangano weTripartite Negotiating Forum kuitira kuti vasazopiwa mhosva yekutadzisa hurukuro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG