Accessibility links

Breaking News

VaMuchadehama naVaMakoni Vanobvisiswa Mari Yechibatiso

Dare reMagistrate Court rakati neMuvhuro magweta maviri ari kumirira vasungwa veMDC, VaAlec Muchadehama pamwe naVaAndrew Makoni, vabvise mari yechibatiso kuitira kuti vabuditswe muhusungwa.

Vaviri ava vakasungwa panze pedare reHigh Court neChishanu, vachipomerwa mhosva yekuti vakavandudza Affidavit yaVaAmos Musekiwa, imwe nhengo yeMDC yavari kumiririra.

Mapurisa anonziwo akaramba kuteerera mitongo yedare reHigh Court miviri yekuti vaviri ava vasunungurwe. Mapurisa anonzizve akambosunga uye kutyisidzira mudzimai waVaMakoni neMuvhuro vachiti ari kuchengeta mabhambo ekuda kupidigurisa hurumende.

Gweta revaviri ava, VaEric Matinenga, vaudza mutori wenhau weStudio7 Blessing Zulu kuti vakabvisiswa mari yechibatiso inosvika Z$500,000 pamunhu.

Zvichakadaro magweta anoti mapurisa ari kuenderera mberi achivashungurudza.

Magweta ari kumiririra VaMuchadehama naVaMakoni anoti ari kushungurudzwa nemapurisa uye mumwe muchuchusi, VaRichard Chikosha, vakarohwa na Assistant Commissioner Musarashana Mabunda, vachinzi vainge vabvumirei kuti VaMuchadehama naVaMakoni vaburitswe muhusungwa.

Mutungamiri weLawyer Society of Zimbabwe, Amai Beatrice Mutetwa, vanoti vari kuzoratidzira neChipiri vachinyunyuta nenyaya yekushungurudzwa kwemagweta nemapurisa.

VaDewa Mavhinga, gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari nhengo yeLSZ vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti mapurisa ari kuyedza kuvhundutsira magweta kuti asamirire vanhu vari kutyorerwa kodzero dzavo nemapurisa.

LSZ inoti iri kuendesa tsamba dzenyunyuto kugurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, muchuchisi mukuru, VaSobuza Gula-Ndebele, uye mukuru wemapurisa, Assistant Commissioner Augustine Chihuri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG