Accessibility links

Breaking News

Huwandu Hwevari Kubatwa neMalaria Hwoderera Munyika


Apo nyika dzemu Africa dziri kucherechedza zuva re Malaria Day, sangano re UNICEF, nebazi rehurumende rinoona nezvehutano, vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti huwandu hwevana nemadzimai ane pamuviri vari kubatwa nechirwere chemalaria, hwaderera nezvikamu makumi mana kubva muzana, mumakore maviri apfuura.

Mutauriri weUNICEF, Va James Elder, vaudza Studio 7 kuti kushandiswa kwema mosquito nets panguva yekurara, ndiko kuri kubatsira sezvo, umhutu hunokonzera malaria huchiruma vanhu husiku.

Asi Va Elder vati izvi hazvirevi kuti huwandu hwevanhu vari kufa nemalaria hwaderera, sezvo munyika musina mishonga yakakwana inokwanisa kubatsira vanenge vabatwa nemalaria nechakare.

Va Elder vaenderera mberi vachiti nzira dzekurwisana neumhutu ishoma zvakare, sezvo munyika musina mari yekunze yakakwana, yekutenga mishonga yekurwisana neumhutu.

Zvichakadaro, Dr Billy Rigava, mutungamiri we Zimbabwe Medical Association, vaudza mutori wenhau weStudio7, Carole Gombakomba kuti ivo vari kutoshushikana nehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere chemalaria.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG