Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yosvotekana Nemagwaro eMachechi Anotaura Zviri Kubata Vanhu Pamoyo


Sangano reCatholic Commission for Justice and Peace, CCJP, rinoti gwaro rakanyorwa nevafundisi rinonzi God Hears The Cry Of The Oppressed, riri kufarirwa zvakanyanya neveruzhinji, zvekuti magwaro zviuru zvisere akadhindiswa, akatopera nenguva pfupi.

Gwaro iri riri kuverengwa mudzisvondo, uye veruzhinji vari kuedzawo kuritenga zvekuti sangano revafundisi vekereke yeRoma, vatotanga zvakare kudhindisa mamwe magwaro.

Mashoko atiri kutambira anotiwo Father Xavier Mukupo vepa Gwandachibvuwa Mission, vakatorwa nemapurisa neChina mushure mekuverenga gwaro iri nemusi wesvondo.

Mumwe mufundisi weRoma audza Studio7 kuti Father Xavier, vakabvunzurudzwa nemapurisa emu Chivhu husiku hwese, ndokuzoregedzwa Chishanu mangwanani.

Va Alois Chaumba ndivo National Director ve CCJP. Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba atanga nekuvabvunza Va Chaumba kuti chii chiri mugwaro iri chiri kupa kuti mapurisa nevamwe vavhunduke zvakadai.

Zvichakadaro, hurumende inoti iri kushushikana zvikuru nemamwe machechi ayo inoti ari kukonzera kusawirirana munyika, sezvo ari kupindira mune zvematongerwo enyika, pamwe nekushora hurumende.

Mutevedzeri wegurukota rezvekusimudzirwa kwehupfumi, VaAguy Georgias, vakati panzvimbo pekuti vamwe vafundisi vaparidze mashoko anounza tariro munguva ino yekuoma kwezvinhu, vari kutoparidza zvinouraya tariro.

VaGeorgias vakashorawo zvakare hurongwa huri kuitwa nesangano reSave Zimbabwe Campaign hwekunamatira nyika, uhwo vakati ndehwe zvematongerwo enyika.

Mutori wenhau we Studio 7 Jonga Kandemiiri , abata pastor Ray Motsi veChristian Alliance, uye vari mumwe wevakaronga munamato wakaitwa kuBulawayo svondo rapera, kuti tinzwe pfungwa dzavo pakunyunyuta kwehurumende uku.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG