Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inovandudza Miganhu Yeguta reHarare


Hurumende yazivisa kuti yapedza kuvandudza miganho yeguta reHarare segadziriro dzesarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Gurukota rinoona nezve kutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vakati miganhu iyi ichavandudzwa ichitora zvidimbu zvematunhu anoti Mashonaland East, Mashonaland West neMashonaland Central ayo akakomberedza guta reHarare. Hurongwa uhu hunonzi huchaitwawo zvakare muBulawayo.

Asi sachigaro weZimbabwe Election Support Network, ZESN, Dr Reginald Matchaba-Hove, vati hurongwa hwakadai hwaida kuti hurumende ibatane nemapoka ose ane chekuita nesarudzo munyika, kusanganisira mapato ezvematongerwo enyika.

VaMatchaba-Hove vaudza Jonga Kandemiiri kuti Zanu Pf haifanirwe kuita zano ndega sezvo zvichizoratidza sezvinonzi iri kuronga izvi kuitira kuti Zanu PF igowana zvigaro zvakawanda pasarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG