Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoronga Kuratidzira Pamuzinda weZimbabwe muAmerica


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica, zviri kuronga kuratidzira pamuzinda wemumiriri weZimbabwe muAmerica neChishanu, vachinyunyuta nenyaya yekushungurudzwa kuri kuitwa vanopikisa hurumende.

Dindingira revari kuronga kuratidzira uku, rinoti “End Torture-Mugabe Must Go Now” uye vari kukurudzira zvakare hurumende kuti iremekedze kodzero dzevanhu.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Denford Madenyika, mumwe wevari kuronga kuratidzira uku, kuti tinzwe kuti chinangwa chavo chekuendesa gwaro kumumiriri weZimbabwe muno muAmerica, pamwe nekuratidzira ndechei.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG