South Africa inoti yatambira tsamba dzinobva kuzvikwata zveMDC zviviri, dzinopa pfungwa dzemapato aya kuitira kuti pave nekutaurirana pakati peMDC nehurumende yaVaMugabe.
Mashoko aya ataurwa nemutevedzeri wegurukuta rinoona nezvekunze kweSouth Africa, VaAziz Pahad, avo vanoti mhinduro dzeMDC, dzinotevera tsamba yakanyorerwa zvikwata izvi nemutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki. VaMbeki vakapiwa bvumo nesangano reSADC kuti vave mutongi gava pakati pehurumende yaVaMugabe nemapato anopikisa hurumende yavo.
Mutauriri weMDC inotungamirwa nava Tsvangirai, VaNelson Chamisa, varamba kutaura pamsuoro penyaya iyi.
Mutori venhau weStudio Seven Patience Rusere ataura nemutauriri weMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, VaGabriel Chaibva, kuti tinzwe mhinduro yavo kuna VaMbeki yakamira seyi kuna VaMbeki.