Imwe nyanzvi munyaya dzezve mitemo inoti, ZANU-PF haina masimba kunze kweparamende, ekushandura bumbiro remutemo kuitira kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika, dzibatanidzwe nesarudzo dzekutsvaga vamiriri veparamende.
Pamusangano wakaitwa neMuvhuro, dare remakurukota rakabvumirana kuti sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa dzese gore rinouya, asi vanonzi vakatadza kuwirirana panyaya yekuti sarudzo dzemaseneta dzofambiswa seyi.
Izvi zvakapa makurukota aya pfungwa yekuti nyaya iyi ikwidzwe kuCentral Committee yeZANU-PF, kuitira kuti ibude nechisungo, izvo zvinofanirwa kunge zvichiitwa neparamende.
Doctor Lovemore Madhuku inyanzvi munyaya dzezve mutemo, uye vari sachigaro ve NCA. Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro navo ndokutanga nekuvabvunza kuti bumbiro remitemo rinoti kudii, pamusoro pezvibvumirano zvakaitwa nehurumende panyaya yesarudzo.
Zvichakadaro, gurukota rinoona nezvemutemo, Va Patrick Chinamasa, vakaudza bepanhau reHerald kuti dare remakurukuta rakabvumirana zvakare kuti mutungamiri wenyika, anofanirwa kutonga kwemakore mashanu, pasati paitwa zvakare imwe sarudzo.
Zvigaro zveseneti zvakatarisirwa kukwidzwa kubva pamakumi matanhatu nezvitanhatu, kusvika pamakumi masere nezvina, ukuwo zvigaro zvenhengo dzeparamende, zvakatarisirwa kukwidzwawo zvakare kubva pazana nemakumi mashanu, kusvika pamazana maviri negumi.
Sangano rinoona nezvemafambisirwo esarudzo, Zimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti nguva yasara kuti zvinhu zvisandurwe, ishoma, izvo zvichipa kuti hurongwa hwehurumende husafambe nemazvo.
Kuti tinzwe pfungwa dzesangano iri, Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro naAmai Rindai Chipfunde-Vava, National director ve ZESN.