Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Mirror Yopihwa Nehurumende $178 Billion Kuti Idhinde Mapepa Ayo?


Hurumende inofungidzirwa kuti yapa kambani yeZimbabwe Mirror Newspaper Group, iyo inodhinda mapepanhau anoti Daily Mirror neSunday Mirror, mari inoita $178 billion kuitira kuti mapepanhau aya ange ava kutengeswa kubva kutanga kwaChivabvu gore rino.

Kambani iyi yakanga yamira kudhinda mapepanhau aya, ichipa zvikonzero zvekuti yaishaiwa bepa rinodiwa pakudhinda mapepanhau.

Asi vaive neruzivo nezvaiitika vanoti zvinhu zvakanga zvisingafambi zvakanaka mukambani iyi, iyo yakabvutwa nevasori kubva kuna VaIbbo Mandaza, avo vaive muridzi wayo.

VaMandaza vati havakwanisi kutaura nezve nyaya iyi, sezvo vasati vanzwa nezverubatsiro rwunofungidzirwa kuti rwabva kuhurumende, nepamusana pekuti vari kukwikwidza nyaya yekutorerwa kambani iyi mumatare edzimhosva.

Taedzawo zvakare kubata vakafanobata chigaro chaChief Executive Officer weZimbabwe Mirror Newspapers Group, VaTichaona Chifamba, avo vati titaure nasachigaro wekambani iyi, VaJonathan Kadzura. Asi takundikana kubata VaKadzura.

VaWilbert Mandinde igweta rinoshanda neMISA Zimbabwe. VaMandinde vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kana chiri chokwadi kuti hurumende yabatsira sangano reMirror Group nemari chinhu chakanaka zvikuru sezvo munyika munenge mave nerimwe bepanhau rinobuda zuva rega rega. Asi VaMandinde vati chakaipa ndechekuti hurumende inenge ichitora mari yemitero inobhadharwa nevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG