Accessibility links

Breaking News

Save Zimbabwe Campaign Inoti Hurongwa Hwayo Hwekunamatira Nyika Hwakabudirira


Vatungamiri vemasangano akazvimirira oga kuchamhembe kweAfrica, pamwe nevatungamiri vemachechi mudunhu iri, vaita musangano neMuvhuro nevatori venhau muHarare.

Vatungamiri ava vati vari kushushikana nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe. Vachitaurawo pamusangano uyu, munyori mukuru weMalawi Presbyterian Church, Reverend Morris Nduri, vatiwo vemachechi emunyika yavo vari kurwadzikana nezviri kuitika muZimbabwe, uye zviri kuvhiringa budiriro munyika dzakakomberedza zimbabwe.

Musangano weMuvhuro uyu unotevera munamato wakaitwa neMugovera muBulawayo, uyo wakarongwa nemubatanidzwa weSave Zimbabwe Campaign, uyo unosanganisira machechi, masangano akazvimira oga, vadzidzi pamwe nemapato ezvematongerwo enyika.

Munamato uyu unonzi wakabudirira zvikuru, sezvo vezve matongerwo enyika vakakwanisa kutaura pamunamato uyu, izvo zvakanga zvarambidzwa nemapurisa.

Vezve matongerwo enyika vakataura pamusangano uyu, vanosanganisira mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, Professor Arthur Mutambara, pamwe nemutevedzeri waVaMorgan Tsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe. VaTsvangirai vanonzi vakakundikana kuenda kumunamato uyu, sezvo vakange vaine musangano weNational Executive Council yavo muHarare.

Mutauriri weSave Zimbabwe Campaign, Mufundisi Ray Motsi, vanoti vakatambirawo zvose zvakataurwa nevatauri vakabva kumatunhu akasiyana siyana, kusanganisirawo Reverend Nduri, avo vakakurudzira mhuri yeZimbabwe kuti izvisunungure kubva muhutongi hwaVaMugabe.

Reverend Nduri vakatiwo kuoma kwaita zvinhu munyika, hakuzi kukonzerwa nezvirango zvinogara zvakataurwa nehurumende, asi kuti zviri kukonzerwa nehutongi hwakaipa.

Vakatiwo Zimbabwe iri kufamba negwara rezve matongerwo enyika, sezvakaita Malawi apo muchakabvu Doctor Hastings Kamuzu Banda vaitonga nyika iyi.

Pastor Motsi vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Jonga Kandemiiri kuti kubudirira kwakaita munamato wavo weMugovera, kunopa kuti vashandise gwara ravakashandisa pakuronga munamato uyu.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7 ...

XS
SM
MD
LG