Accessibility links

Breaking News

South Africa Yokurudzira Kuti Zimbabwe Ivepo Pamusangano we AU-EU Summit


Sangano re European Commission, rinoti richiri kuzeya kuti Zimbabwe inofanirwa here kunge iri pamusangano we African Union-European Union-Summit, uyo wakatarisirwa kutora nzvimbo muPortugal muna Zvita.

Mumwe musangano waifanirwa kuitwa muna 2003, wakasvika pakusendekwa parutivi, kubudikidza nenyaya yezviri kunetsa muZimbabwe. Mutauriri webazi re Development and Humanitarian Aid, mu EU, Va Amadeu Altafaj Tardio, vati EU ingade kuti Zimbabwe inge iri pamusangano uyu , asi vati EU, iri kushushikana zvikuru nemabasa ari kuitwa nehurumende yeZANU-PF, uye nhengo dzavo dziri kuona zvakakodzera kuti hurumende yaVaMugabe itemerwe zvirango zvehupfumi.

Musangano uyu, unounza pamwe chete vatungamiri venyika dzemu Europe nemuAfrica, kuti vazeye nyaya dzekutengeserana, dzezvematongerwo enyika nezvimwe zvinosanganisira nzira dzekupa rubatsiro kunyika dzemuAfrica.

Zvichakadaro, gurukota rinoona nezve kudyidzana kweSouth Africa nedzimwe nyika, Va Nkosazana Dhlamini-Zuma, vanoti ivo nesangano re AU, havazobvumi kuti Zimbabwe irambidzwe kupinda kamusangano uyu.

Muhurukuro yavakaita negurukota rinoona nezvekudyidzana kwePortugal nedzimwe nyika, Va Luis Amado, nemusi weChishanu, Va Zuma vakati Zimbabwe haifanirwi kubatwa zvakasiyana nedzimwe nyika.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaFarai Maguwu, vanoongorora zvematongerwo enyika, uyezve vari Executive Director veCivic Alliance for Democracy and Governance-CADEGO, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva Ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG