Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekudzingwa Kwevagari VepaMukandabhutsu Yokwidzwa Kumatare eDzimhosva


Magweta ari kumirira vagari vepanzvimbo inozivikanwa nerekuti I.T.G, kana kuti paMukandabhutsu kuMasasa, anoti achaendesa kudare redzimhosva magwaro ekupikisa kudzingwa mudzimba kwemhuri dzinosvika gumi neshanu svondo rinouya.

Gweta riri kumirira vanhu ava, Muzvare Tafadzwa Sithole, veku Honey and Blackenburg vaudza Studio 7 kuti vachaendesa magwaro echimbichimbi aya kuitira kuti mhuri idzi dzikwanise kudzokera mudzimba dzadzo, pamwe nekumisa kudzingwa kwevamwe vakagara panzvimbo iyi.

Ukuwo sachigaro veCHRA muHarare East, Va Alexio Maphosa, vaudzawo Carole Gombakomba, we Studio 7 kuti sangano ravo , riri mushishi rekuunganidzawo humbowo hunozogona kushandiswa mumatare edzimhosva.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG