Accessibility links

Breaking News

Vashandi VeMDC Votarisirwazve Kumira Pamberi Pedare Repamusoro neChishanu


Dare reHigh Court raendesa mberi kunzwikwa kwenyaya iri kupomerwa vashandi veMDC avo vakasungwa masvondo maviri apfuura vari pamuzinda webato iri paHarvest House.

Izvi zvaitika mushure mekunge gweta riri kumirira vashandi ava, VaAlec Muchadehama, vazivisa dare kuti vanhu ava hadzisi nhengo dzeMDC, asi kuti vashandi, uye vakasungwa vari mumahofisi avanoshandira.

Mutongi wedare repamusoro, Justice Tedious Karwi, vati mapurisa aongorore izvi, kuitira kuti dare rienderere mberi neChishanu.

Dzimwe nhengo dzeMDC dziri muhusungwa dzinonzi dzamiswa pamberi pedare ramagistrate kuChitungwiza, mushure mekunge dzatorwa kubva muchitokisi magweta adzo asingazivi.

Gurukota rezve mukati menyika, VaKembo Mohadi, vanyorerawo dare repamusoro iri tsamba yekuti risape vari kutongwa ava mukana wekuti vabvise mari yechibatiso, sezvo mhosva dzavari kupomerwa dzisiri dzekutamba nadzo.

VaAlec Muchadehama, gweta riri kumirira nhengo dzeMDC vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zviri kuitwa naVaMohadi izvi kuda kutyisidzira vatongi vematare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG