Hurumende ichitungamirwa nesangano revasori reCIO inonzi yave kuparura hurongwa hwekuita kafiramberi vanhu vanogara muBulawayo nekuMasvingo.
Izvi zvinotevera kurohwa, kupambwa uye kuurayiwa kwevamwe vanhu muHarare nekwaMutare. Mutevedzeri wemutungamiri weMDC, Muzvare Thokozane Khupe, vanoti kuBulawayo kwasungwa mutevedzeri wasachigaro wechidiki mudunhu iri, VaBhekithemba Ndlovu, uye nhengo yeMDC mudunhu iri, Sihkulekile Nkala.
Muzvare Khupe vanoti vari kutyira hupenyu hwevaviri ava sezvo vari kunzi vatorwa nemaCIO pakamba yemapurisa. Vanoona nezvemadzimai mu NCA , Amai Tsitsi Mikitai, vanonzi vakarohwa zvakaipisisa kuMufakose neMuvhuro.
KuHopley farm, uko kwakagariswa vanhu vakaputsirwa dzimba paOperation Murambatsvina, zvinonzi vanasaimba vanodarika gumi nevatanhatu vari kugara musango mushure mekurohwa nemapurisa nemaCIO kubva neChishanu vachinzi ndeveMDC.
Madzimai avo anotiwo ari kugara achirohwa asi hapana kwekupotera. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti pane vanhu makumi mana vari muhusungwa pari zvino, uye dzimwe nhengo dzavo zhinji dzakahwanda sezvo dziri kutya kushungurudzwa.
Sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vatiwo havachina ruzivo rwekuti dzimwe nhengo dzavo dziripi nekuda kwekutiwo vari kurohwa vari kubva vatorerwa mbozhanhare dzavo, vamwe vachingotetereka nenyika.
Asi vati muHarare chete mune vanhu makumi maviri nevanomwe vakahwanda. VaAmos Phiri ndivo sachigaro weNCA muHarare.
VaPhiri vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti vakahwanda pari zvino mushure mekurohwa nekukandwa mumvura inetsvina, uye kumboda kupambwa zvekare.