Accessibility links

Breaking News

Mudzimai Wamuchakabvu Gift Tandare Otyira Hupenyu Hwake


Mukadzi wamuchakabvu Gift Tandare, Amai Sipiwe Tandare, vanoti vava kugara vachityira hupenyu hwavo, sezvo vari kugara vakateverwa nemapurisa, pamwe nevanhu vanofungidzirwa kuti ma CIO.

Amai Tandare vanoti pane mapurisa anosvika mashanhu akaenda kumba kwavo achiti anoda kuziva mazita enhengo dze N-C-A dzakauya kunhamo yemurume wavo.

Muchakabvu Tandare vaive nhengo yemdc, uye NCA, iyo yakaurayiwa nemapurisa kuZimbabwe Grounds mwedzi wapera.

Patience Rusere weStudio Seven ataura naAmai Tandare kuti tinzwe zviri kuitika pavari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG