Accessibility links

Breaking News

Mutori Wenhau Phiri Orapwa Zvichitevera Kurohwa Kwaakaitwa Nemapurisa


Mutori wenhau webepanhau re The Zimbabwean, Gift Phiri, uyo akasungwa nemusi wesvondo, amiswa pamberi pedare redzimhosva nhasi achipomerwa mhosva yekunyora manyepo pamwe nekushanda asina mvumo kubva kubazi reMedia and Information Commission.

Mutori wenhau dzeStudio7 Irwin Chifera anoti Phiri abva aendeswa kuchiparata mushure mekuburitswa muhusungwa. Mashoko atichangotambira anoti Phiri asvikopihwa mubhedha kuchipatara kuitira kuti arapwe achiongororwa navana chiremba, sizvo akakuvara zvakanyanyisa.

Mupepeti mukuru webeta nhau rinonyorerwa naPhiri, VaWilf Mbanga, vashora zvikuru mabatirwo akaita Phiri nemapurisa.

Mutori wenhau dzeStudio7 Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Mbanga nezvenyaya iyi, pamwe nezviri kuitika kune vamwe vatori venhau munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG