Accessibility links

Breaking News

Amai Holland Vanofungidzira Kuti Vasori Vari Kukavatevera kuSouth Africa


Munyori anoona nezvehurongwa pamwe negwara mu MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Amai Sekai Holland, vanoti kunyange vakabuda munyika kuti vawane rubatsiro pakurapwa, vachiri kungoteverwa nevanhu vari kufungidzirwa kuti vasori.

Amai Holland pamwe naVaWilliam Bango, mutauriri waVaMorgan Tsvangirai, nemutevedzeri wemunyori anoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika mubato iri, Muzvare Grace Kwinjeh, varikurapirwa pachipatara cheMilpark muJohannesburg, zvichitevera kurohwa zvakaipisisa kwavakaitwa, apo vaienda kumusangano wekunamatira nyika ku Zimbabwe Grounds mwedzi wapfuura.

Muzvare Kwinje, akakuvadzwa nzeve, muoko, nedzimwe nhengo dzemuviri, ukuwo Va Bango vakanyanyo kuvadzwa nechemukati, izvo zvakaita kuti vaitwe operation svondo rapera. Mai Holland, vakatyorwa muoko negumbo, uye vanachiremba vanoti, vakanonoka kurapwa, zvakaita kuti vapindwe neutachiwana mumuviri.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naAmai Holland, kuti tinzwe kuti zvinhu zviri kufamba seyi kuSouth Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG