Kuramwa mabasa kwakarongwa neZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU, kwatanga neChipiri mapurisa achityisidzira vanhu kuti vaende kubasa pamwe nekumanikidza vemabhizinesi kuti vavhure zvitoro zvavo.
MuBulawayo zvinonzi vanhu vakawanda vaenda kumabasa zvichitevera kutyisidzirwa kawavanga vachiitwa.
Asi vamwe vanoti havana kuenda kubasa sezvo vari kutsigira hurongwa hweZCTU.
Sangano iri rinoti hurongwa hwaro hwekuramwa mabasa hwabudirira kunyange hazvo zvitoro nemabhangi zvanga zvakavhurwa mumaguta ose munyika.
ZCTU inoti muHarare maindasitiri mazhinji anga akavharwa, chinove chiratidzo chekuti zvabudirira. MuGweru mashoko atatambira anoti vanhu vazhinji vaenda kumabasa semazuva ose, izvo zvinonzi zvaitikawo muChinhoyi.
KwaMutare mamwe maindasitiri anonzi avharwawo, asi vanofungidzirwa kuti vasori, vanonzi vanga vachimanikidza vanhu kuti vaende kumabasa munguva dzemasikati.
ZCTU iri kukurudzira vashandi kuti varamwe mabasa kwemazuva maviri sekuratidza hurumende kunyunyuta kwavo nemamiriro akaita zvinhu munyika, uye kuti vashandi vapiwe mihoro inoringana nePoverty Datum Line.
Sangano iri rinoti vashandi havafanirwi kupinda mumigwagwa, asi kuti vagare mudzima dzavo.
Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vaudza Studio 7 kuti neChipiri vanotarisira kuti vashandi vakawanda vachateerera kurudziro yavo yekuti vagare kudzimba.