Accessibility links

Breaking News

Nhengo Nhatu DzeZCTU Dzinochenurwa Nedare Redzimhosva


Dare redzimhosva neChina rarasa nyaya yekutengesa mari yekunze pamukoto yanga ichipomerwa vashandi vesangano revashandi reZCTU.

Mutongi wedare ramagistrate, Amai Lilian Kudya, varasa nyaya iyi vachiti hurumende yakundikana kuumba humbowo hunotsikirira vashandi ava.

Munyori mukuru weZCTU VaWellington Chibebe, vashandi vemumahofisi eZCTU Vimbayi Mushongera pamwe naVaElijah Mutemeri, vakasungwa mugore ra2005 vachipomerwa mhosva yekutengesa pamukoto mari inoita $22 000.00.

Sangano revashandi iri riri mushishi kurongawo kuramwa mabasa kwemazuva maviri kutanga kwemwedzi unouya. ZCTU inoti haisi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.

VaChibebe vaudza Studio 7 kuti mutongo wapiwa nedare unovapa manyukunyuku apo vatarisana nekuramwa mabasa kwemusi wa3 na4 Kubvumbi.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG