Dzimwe nhengo dzeMDC dzanga dzisingazivikanwe kuti dziri kuchengeterwa kupi nemapurisa, dzava kuzivikanwa kwadziri. Mapurisa aitora vanhu zvine chisimba acivaendesa kunzvimbo dzisingazivikanwi nemagweta avo.
Nhengo zhinji dze MDC dzakaendeswa kuHarare Central Police, uko dzazofumoendeswa kumatare edzimhosva neChiina. Mumwe wevanhu vakapambwa vakarohwa zvakaipisisa, Va Last Maengahama, vakwanisa kutaura nemutori wenhau dzeStudio7 Patience Rusere, ndokurondedzera zvakaitika pavari.