Accessibility links

Breaking News

SADC Yotadza Zvakare Kuomesera VaMugabe


Vatungamiri venyika dzemuSADC, nhasi vaita chisungo chekuti mutungamiri we South Africa, Va Thabo Mbeki, varambe vachikurudzira hurukuro pakati pehurumende yaVa Mugabe, nebato rinopikisa reMDC.

Chisungo chabuditswa nevatungamiri ava, icho chaverengwa naVa Jakaya Kikwete, sachigaro vekomiti yeSADC inoona nezvematongerwo enyika pamwe nekuchengetedzwa kwedunhu, Organ of Politics Defence and Security Co-operation, chinokurudzira hurumende yeBritain kuti ipe Zimbabwe mari yemuripo panyaya yegoverwa kweminda. Vatungamiri ava, vakurudzira zvakare nyika dzekumavirira, kuti dzibvise zvirango zvehupfumi, zvakatemerwa vatungamiri vehurumende yeZANU-PF.

Musangano uyu wanga uchiitirwa mTanzanania, uye wanga uri wechimbi chimbi, wekuti sangano iri rizeye zviri kunetsa muZimbabwe, Lesotho neDRC.

Mumashoko avo pamusangano uyu, VaKikwete, vati chinangwa chemusangano uyu, changa chiri chekutsvaga nzira dzekuunza runyararo mudunhu reSADC. Hapana vatori venhau vabvumidzwa kupinda mumusangano uyu.

Mutori wenhau we studio 7,Carole Gombakomba ,aita hurukuro naVa Phipplip Pasirai, vanongorora zvekodzero dzevanhu, uye vachishandira sangano re Crisis in Zimbabwe Coalition, kuti tinzwe pfungwa dzavo, pamusoro pechisungo chabuda nevatungamiri venyika idzi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG