Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa


Mapurisa ari kurambidza magweta eMDC kuti vaone vanhu vakatakurwa neChitatu pa Harvest House, vachibva vaiswa muhusungwa. MDC inoti vanhu vanodarika makumi matanhatu vakatakurwa neChitatu.

Magweta eMDC anoti aswera neChina achiedza kuti aone vasungwa ava, asi mapurisa ari kuvarambidza. Asi rimwe remagweta ari kumiririra nhengo dzeMDC dzakasungwa nemapurisa, VaAlec Muchadehama, vanoti vamwe vasungwa ava vakarohwa zvakaipisisa vari mumaoko emapurisa.

Vamwe vasungwa vapfumbamwe vakabva kunzvimbo dzakasiyana siyana vamiswa pamberi pedare nhasi muHarare, uye vanoratidza kuti vakarohwa zvakaipa zvekuti vamwe vacho vakatyoka mabhonzo.

VaMuchadehama vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti vamiswa pamberi pedare vadzorerwa mutirongo, uye vachamira zvakare mutare neChishanu mushure mekunge vawana mukana wekutaura nemagweta avo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG