Accessibility links

Breaking News

VaMaengahama Vanopinzwa Muchipatara Zvichitevera Kurohwa Zvakaipisisa

Nhengo yeMDC yakapambwa neChipiri nevarume vakanga vakapakata zvombo yakarohwa zvakaipisisa ndokuzosiiwa yakandwa musango kuMutorashanga.

VaLast Maengahama vanonzi vakazvimba muviri wose, uye vane matuzu pasi petsoka dzavo.

Vanonzi vanhongwa nevashandi vepamugodhi weZIMASCO uri kwakare kuMutorashanga avo vakazozivisawo mapurisa.

Vakazotorwa kubva muchipatara cheMutorashanga Chipiri manheru vachibva vaendeswa kuchipatara cheAvenues Clinic muHarare, uko vave kurapwa vari.

VaMaengahama vakapambwa nevanhu vanofungirwa kuti vasori kubva mumotokari yavakanga vari apo vaibva kunyaradzo yaVaGift Tandare.

VaToendepi Shonhe, mutewedzeri wemunyori anoona nezvehurongwa hweMDC mudunhu reHarare, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanhu vakarova VaMaengahama vakavaudza kuti bato ravo harifi rakatonga sezvo risina kurwa hondo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG