Makurukota anoona nezvekunze munyika dzemu SADC dziri mubazi re Organ of Politics, Defence and Security Co-operation, vatanga musangano wavo neChitatu muTanzania.
Mutungamiri webazi rinoona nezvekubuditswa kwemashoko, muSADC, VaCharles Mubita, varamba mashoko ekuti musangano uyu wakangonangana chete nenyonga nyonga iri muZimbabwe. VaMubita vati chinangwa chemusangano uyu ndechekuongorora zvizere zviri kuitika muDRC, Lesotho ne Zimbabwe, SADC isati yatora matanho.
Vatungamiri venyika gumi ne ina, vari kusangana muTanzania, neChina kuti vazeye matambudziko akatarisana nenyika idzi. Asi vatungamiri veBotswana ne Mauritius, vanonzi vari kutumira vanovamirira pamusangano uyu.
Sangano re Crisis in Zimbabwe Coalition raudzawo vatori venhau kuti vari kuda kuti vatungamiri vedzimwe nyika, vaongorore zvakakwana zviri kuitika muZimbabwe. Reverend Nicholas Mukaronda ndivo Co-ordinator vesangano iri muSouth africa.
Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Mukaronda kuti tinzwe kuti vanga vachiti kudii kune vatori venhau mu Dar Es Salam .
Zvisineyi mutauriri we SADC, VaMubita vati SADC haibvumidzi vamwe vanhu kuti vape humbowo. Izvi zvinoreva kuti SADC, ichange ichingozeya zvainenge yaudzwa nevatungamiri venyika, vakaita saVa Mugabe, avo vanenge varipamusangano uyu.
Kuti tinzwe zvakawanda pane zviri kuitika, Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro naVa Ernest Mudzengi, National Director ve NCA, pamwe naVa Farai Maguwu, Executive Director ve CADEGO, vari kupeta zvidzidzo zvavo mu Austria, kuti tinzwewo pfungwa dzavo, pamusoro pezviri kuitika munyika, pamwe nezveSADC