Accessibility links

Breaking News

Mahofisi eZanu PF muMbare Anopiswa Nebhambu Repeturu

Mahofisi eZanu PF muMbare apiswa mambakwedza eChipiri zvichitevera kukandwa kwebhambu repeturu.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, vatsinhira chiitiko ichi vakatiwo midziyo inokosha madhora mamiriyoni gumi nemashanu, yaparadzwa kunyange hazvo pasina munhu akuvadzwa.

Mumasvondo apfuura vanhu vasingazivikanwi vakakanda mabhambu erudzi urwu pakamba yemapurisa yeMarimba muHarare, mapurisa matatu akakuvara.

Mabhambu epeturu anonzi akakandwawo munzvimbo dzakaita seMutare, Gweru neWarren Park, midziyo yakawanda ikaparadzwa.

Chitima chinotakura vanhu chaienda kuBulawayo, chinonzi chakakandirwawo bhambu rerudzi urwu.

Mapurisa anoti vatsigiri vebato rinopikisa reMDC ndivo vari kukanda mabhambu aya.

Asi VaPedzisayi Ruhanya, avo vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda ne Crisis in Zimbabwe Coalition vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanofunga kuti vasori pamwe nevatsigiri veZanu PF ndivo vari kuita mabasa aya kuitira kusvibisa mazita evanopikisa hurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG