Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Hapana Kubvumirana Kuripo mu TNF


ZCTU yaramba mashoko aburitswa nebepanhau reHerald neChishanu ekuti kune musangano uri kuitwa pamusoro peTripartite Negotiating Forum, uye mapato matatu ari muTNF anoti hurumende, vashandi nevashandirwi, vawirirana kushandira pamwe.

Mugwaro raburitswa nesangano iri, ZCTU yati nyaya yaburitswa neHerald haina chokwadi.

ZCTU yaenderera mberi ichiti musangano uri kuitwa kwaMutare wakarongwa nemasangano anoti International Labour Organisation neUnited Nations Development Programme, uye musangano wakadai haungabudi nezvisungo zveTNF.

Munyori mukuru weZCTU VaWellington Chibebe vaudza Studio 7 Jonga Kandemiiri kuti mashoko aya anenge anoda kuvhiringa vashandi pahurongwa hwekuramwa mabasa mukutanga kwemwedzi unouya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG