Ongororo yakaitwa neCentral Statistical Office inoratidza kuti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vashanu, yePoverty Datum Line yemwedzi waKukadzi, yakakwira zvakanyanya izvo zvakasiya yoda kupinda mumiriyoni.
Mari iyi yakakwira nezvikamu zvinosvika makumi matanhatu nezvitanhatu kubva muzana (66%) kubva pa $566 401.00 yemwedzi waNdira, kusvika pa $937 838.00.
Zvinonzi zvakanyanya kuita kuti mari iyi ikwire, kukwira kwezvinhu zvinodiwa mukurarama.
Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti izvi zvava kureva kuti vashandi vave kuda mari inodarika miriyoni imwe chete pamwedzi kuti vakwanisewo kurarama.