Accessibility links

Breaking News

VaMwanawasa Vanoshora Zvikuru Zviri Kuitika muZimbabwe

Mutungamiri weZambia, VaLevy Mwanawasa, vati Zimbabwe inenge chikepe chave kunyura.

VaMwanawasa vati zviri pachena kuti nyaya yekuramba vachitaura naVaMugabe murunyararo, haisi kushanda zvachose.

Zambia ndiyo ichange yakabata chigaro chasachigaro weSADC muna Nyamavhuvhu, uye inhengo yenyika nhatu dzemu SADC dziri kuongorora nyaya yeZimbabwe.

Dare remakurukota muSouth Africa, rashorawo zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe rikati VaMugabe vanofanira kutaurirana nevanovapikisa.

Mutungamiri weBritain, VaTony Blair, pamwe negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, Muzvare Condolezza Rice, vakurudzirawo hurumende dzemuAfrica nesangano reSADC kuti dzisarege VaMugabe vachityora kodzero dzevanhu.

Blessing Zulu weStudio 7 akurukura naVaGlen Mupani avo vari kupeta zvidzidzo zvepamusoro paCape Town University muSouth Africa munyaya dzegutsaruzhinji nehutongi hwejechetere, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Zvichakadaro, mubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, SADC Council of Non-Governmental Organisations, waburitsa gwaro rinoshoropodza zviri kuitika munyika.

Gwaro iri riri kukurudzirawo vatungamiri venyika dzemuSADC kuti vasangane vachikurukura matambudziko akatarisana nenyika.

Gwaro iri ratumirwawo kuhutungamiri hweSADC, kuitira kuti vatore matanho ekuti Zimbabwe igadzirise chimiro chayo uye kuremekedza kodzero dzevanhu. Gwaro iri rinoburitswa mushure mekunge mubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga munyika, waburitsawo rimwe gwaro rinoshorawo zviri kuitika munyika izvi.

VaFambai Ngirande vanoona nezve kufambiswa kwemabasa muNANGO vaudza Studio 7 kuti nyika dzemuSADC dzinofanirwa kupindira kuitira kuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG