Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Inoda Kuti Kurohwa kwaVaChamisa Kuongororwe


Komiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko nezvinhu yanyorera munyori weparamende, VaAaustin Zvoma, tsamba yekukurudzira kuti mutauriri weparamende, VaJohn Nkomo, vaudze gurukota rezve kuchengetwa kwemukati menyika, VaKembo Mohadi, kuti vaongorore kurohwa zvakaipisisa kwaVaNelson Chamisa avo vanova nhengo yekomiti iyi.

Sachigaro wekomiti iyi ndiVa Leo Mugabe muzukuru waVa Robert Mugabe uye komiti iyi ine nhengo dzakawanda dzeZanu-PF. Komiti iyi inotiwo dare reparamende rinofanirawo kuongorora nyaya yekurohwa kwenhengo dzeMDC dzinosanganisa mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai.

Komiti iyi yatiwo Air Zimbabwe inofanira kubatsira muongororo iyi sezvo panhandare paine makamera anogona kuita kuti vakarova VaChamisa vasungwe nekuchimbidza. Kunyange pambonzi pamboita makakatanwa vamwe vachiramba kusaina gwaro iri, zvinonzi nhengo idzi dzazotenderana kuti zvakaitika kuna VaChamisa zviongororwe.

VaDewa Mavhinga gweta rinorwira kodzero dzevanhu vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti zviri pachena kuti mubato riri kutonga hamuna kuwirirana panyaya yekurohwa kwevanopikisa hurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7 ..,

XS
SM
MD
LG