Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanobvutirwa Passport Yavo Nemupurisa

Mutungamiri wechimwe chikwata che MDC, Professor Arthur Mutambara, vanonzi vatorerwa gwaro ravo rekufambisa manheru eMuvhuro nemupurisa, uyo anonzi abva atiza naro. VaMutambara vanga vaenda kudare raMagistrate, uko kwanga kuchafanirwa kunzwikwa nyaya yavo, zvichitevera kusungwa kwavakaitwa panhandare yendege muHarare neMugovera. VaMutambara vakasungwa apo vaida kunoshanyira mhuri yavo, asi pavakasvika panhandare, vakaudzwa nemapurisa kuti vainge vasingabvumidzwe kubuda munyika.

Magweta aVaMutambara aswera ari kumatare achida kuti vaburitswe muhusungwa. Nyaya yavo yanzwikwa naJustice Tendai Uchena, avo vati VaMutambara vanofanirwa kuburitswa muhusungwa. Apo VaUchena vanga vachipa mutongo wavo, mapurisa abva aendesa VaMutambara kudare raMagistrate, uko vasvikoshaya mutongi anganzwe nyaya yavari kupomerwa.

Mutauriri wechikwata chaVaMutambara, Va Gabriel Chaibva, vanoti mukuru wavo aendeswa ku Court 13, mapurisa akatanga kubuda mumwe nemumwe, kudzamara VaMutambara vasara nemagweta avo. Izvi ndizvo zvapa kuti VaMutambara nevamwe vavo vabudewo mudare iri. Asi VaChaibva vati mumwe mupurisa auya ndokubvuta gwaro raVaMutambara rekufambisa, pamwe nenharembozha yavo, ndokubva atiza nezvinhu izvi ari mumotokari. Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Nemugovera wakare, mapurisa akasungwawo Muzvare Grace Kwinjeh, pamwe naAmai Sekai Holland, avo vainge vari munzira kuenda kunorapwa ku South Africa. Vaviri ava vakasungirwawo panhandare yemuHarare. Magweta evaviri ava ati nyaya yavo ichanzwikwa neChitatu

XS
SM
MD
LG