Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaburitswa muchipatara cheAvenues Clinic vari pa wheel chair.
VaTsvangirai nevamwe vavo vakakuvadzwa zvakaipisisa nemapurisa nemusi weSvondo. Kuburitswa muchipatara kwaVaTsvangirai kunotevera kuburitswa zvakare nezuro kwedzimwe nhengo dzeMDC dzinosanganisira munyori mukuru webato iri VaTendai Biti, mutauriri webato iri,VaNelson Chamisa, mutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma uye sachigaro weNCA Doctor Lovemore Madhuku.
Asi pari zvino muchipatara masara vanhu vashanu, avo vanosanganisira munyori anoona nezve gwara remusangano, Amai Sekai Holland pamwe nemutevedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Grace Kwinjeh.
VaWilliam Bango mutauriri waVaTsvangirai vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaTsvangirai havasati vaita zvakanaka zvekuti vangatange basa.