Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Vashandi Vemumahofisi eZCTU muHarare


Mapurisa neChipiri mangwanani ashanyira mahofisi esangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, vachiti vari kutsvaga magwaro anokurudzira vanhu kuti vamukire hurumende.

Mapurisa anosvika gumi edivi rematikitivha anonzi arova vashandi vatatu vepamahofisi apa, ndokubvanyangura zvinhu zvizhinji vachizotakurawo zvimwe zvavanoti zvine humbowo hwezvavari kutsvaga.

Mapurisa anoita izvi apo sangano iri riri kugadzirira kutungamira mukuramwa mabasa kuri kurongwa nevashandi mukutanga kwemwedzi unouya.

Sangano iri rati vashandi vari kuda kuramwa mabasa musi wa3 na4 Kubvumbi vachida kuti hurumende nevashandirwi vanzwe zvichemo zvavo zvekuda mihoro inofambirana nePoverty Datum Line.

VaMichael Kandukutu, vanoona nezvekurongwa kwemabasa muZCTU uye vari mumwe wevashandi varohwa nematikitivha aya vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nemapurisa izvi havzisi kuzovakanganisa muhurongwa hwavo hwekuramwa mabasa mwedzi unouya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG