Accessibility links

Breaking News

Kutaurirana Pakati Pehurumende, Vashandi Nevashandirwi Koparurwa Zvakare

Nhaurirano dzinoitwa pakati pehurumende, vashandi, pamwe nevashandirwi dzeTripartite Negotiating Forum, kana kuti TNF dzatangwazve muHarare neMuvhuro zvichitevera kusangana kwe Technical Committee inovaka hwaro hwenhaurirano idzi.

Dare remakurukota rakatenderana kuti nhaurirano idzi dziitwe nechimbi chimbi senzira yekuyedza kugadzirisa hupfumi hwenyika, uho hwaenda kumawere.

Mutevedzeri wemunyori wedare remakurukota uye vachishanda muhofisi yaVaMugabe, VaRay Ndhlukula, ndivo vange vari sachigaro pamusangano uyu, uyo wapindwawo nevamiriri ve ZFTU, ZCTU uye EMCOZ.

VaProsper Chitambara nyanzvi munyaya dzezve hupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, zvakare vari nhengo yeTNF Technical committee vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti hapana kuwirirana panyaya yemari dzevashandi uye pakuti mitengo yezvinhu isakwidzwe.

Gavhuna weRBZ VaGideon Gono vanoti vari kuda kuti patenderanwe kuti mitengo yezvinhu zvose imbomira kukwidzwa kuti inflation iyo yave kuda kusvika pa1 600% idzike. Izvi zvakamboitwa zvikashanda kuBolivia, asi nyanzvi munyaya dzehupfumi munyika dzinoti zvinonetsa muZimbabwe sezvo pasina kuzvipira kwehurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG