Accessibility links

Breaking News

UNDP Yokurudzira Hurukuro Dzekuumbwa Kwekomisheni Yekodzero Dzevanhu


Hurukuro pakati pehurumende nemasangano akazvimirira oga pamusoro pekuumbwa kwekomisheni inorwira kodzero dzevanhu, dziri kutarisirwa kutanga mukupera kwaKurume.

Sangano reUnited Nations Development Programme, UNDP, ndiro zvakare riri kutarisirwa kutungamira muhurukuro idzi, idzo dzakambotadza kubudirira gore rapera.

Masangano akazvimirira oga ari kuda kuti hurumende itange yagadzirisa nyaya yekodzero dzevanhu, uye kubviswa kwezvimwe zvikamu zvemitemo yePOSA neAIPPA, izvo zvinodzvanyirira kodzero dzevanhu hurukuro dzisati dzatangwa.

Sangano reNational Association of Non-Governmental Organisations, NANGO, rati UNDP iri kufambira nhengo dzaro ichiedza kudzikwezva kuti dzizopinda mumusangano uyu.

Studio 7 yaedza kunzwa divi reUNDP, asi tanzi tiite zvekuvanyorera tsambambozha.

VaFambai Ngirande avo vanoona nezve kufambiswa kwemabasa muNANGO vaudza Studio 7 kuti havasati vashanduka kubva padanho ravakatora gore rapera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG